Vakuwashan'ina

Kubva Wikipedia

Izwi rokuti vakuwashan'ina rinoreva varume vaviri vokuti kwavakaroora vakadzi vavo mukoma nomunin'ina. Shoko rokuti n'ina rinoreva Amai; ndiro shoko rimwe rinoshandiswa mutsumo yokuti "Mbudzi kudya mufenje hufanan'ina.


Ngatitii vakadzi vaviri mukoma nemunin'ina Chipo naChido vakaroorwa. Varume vaviri vakaroora vakadzi ava vane hukama hunonzi hukuwashan'ina. Mukutaura kwemazuvaose vangadaidzana kuti babamukuru nababamudiki asiwo hukama huri pakati pavo ndihwo hwanan'ina kana kuti hukuwashan'ina.

Ava varume vaviri havana hukama hwokuti vangagarirana nhaka kana mumwe achinge afa nokuti havana hukama hweropa rukumadzibaba avo.