Hukwidza
Mataridziko
Muchidzidzo chePimanyika, tsangudzo dzinotevera dzinopihwa maererano nekupimwa kwenhambwe.
- Hurefu (length) - shoko iri rinoreva kureba kwenzvimbo kana ichipimwa. Kana tiri kuMasvomhu, hurefu hunoshandiswa kududza divi rakanyanya kureba kudarika mamwe.
- Hwasha (width) - shoko iri rinoreva kupamhama kwenzvimbo kana ichipimwa
- Hudzamu (depth) - shoko rinoreva kudzika kwenzvimbo kana ichipimwa. Shoko iri rinoshandiswa kududza kupimwa kwenhambwe zvichitevedza rudzivo rwekudzika pasi.
- Hukwidza (height, altitude) - iri shoko rinonyanya kushandiswa kududza kupimwa kwenhambwe zvichitevedza rudzivo rwekuenda mudenga. Somuenzaniso tingataura hukwidza hwendenge iri kubhururuka kana chivakwa chemudurikidzanwa. Mukutaura kwamazuva ose tinoti chinhu chiri pakakwirira kana pakaderera, muzvidzidzo zveScience zvakafanira kuti titaure pamusoro pehukwidza.
Mipimo yose yataurwa pamusoro inoshandisha chiyero chenhambwe chinonzi mita (metre).
Mitauro yeBantu
- VaLenje vanoti chimo (stature, size, height, volume, weight, amount, measure) vachireva chimiro.
- Baila vanoti chimo (stature, tallness) kureva kureba. VaTonga vanoti ciimo (stature, height, physique) kureva chimiro.
- Bemba vanoti butali (height, length; tallness) vachireva kureba. Mamwe mazwi: tali (high, deep, long). Butali panshi (n. depth).
- Bushong vanoti butadi (n. Length, distance, span, dimension, extension, altitude; breath; height, depth; deepness).