Svetuka kuchirochemo

Esigodini

Kubva Wikipedia

Esigodini (yainzi Essexvale kudzamara 1982) musha uri Matabeleland South muZimbabwe. Pane chinhambwe chinokwana 43 km nemugwagwa kubva Bulawayo kana 47 km nenjanji inofamba Bulawayo-Beitbridge. Pakaitwa 1982 Population Census, musha uyu waiva nevanhu 1,492. Esigodini ndiwo muzinda wedunhu reUmzingwane. Musha uyu wakambenge uri purazi raFrederick Selous.

Zvikoro zvine mbiri mudunhu iri zvinosanganisira Falcon College neMzingwane High School.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti isigodi kana izigodi (Shallow valley, dale).