Bulawayo

Kubva Wikipedia
Bulawayo

Bulawayo ndiro guta rechipiri pakukura muZimbabwe. Mukuzvitonga, guta iri rakafananawo neguta reHarare nokuda kwekuti rinonziwo rimwewo rematunhu eZimbabwe. Guta reBulawayo rinonziwo nevanhu 'City of Kings', 'Skies', 'Bluez' kana 'KoNtuthu ziyathunqa' - rinova izwi muSindebele rinoreva 'nzvimbo inemoto wakawanda utsi' - pakati pemwamwewo mazita. Ruzhinji rweguta iri rwakawanda maNdebele. Guta iri rakavakwa riine nzvimbo dzehushangazhi zhinji asi pari zvino vana muzvinabhizinizi vazhinji vakatama nezvinhu zvavo kuenda kuHarare nekuda kwekunetsa zvinhu munyika yeZimbabwe. Bulawayo ndirowo guta rega rikuru rinova pedyo neHwange National Park, Matopos National Park neMapopoma eMos-io-atunya.

Okonomi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Guta reBulawayo ragorizikanwa senzvimbo yehushangazhi muZimbabwe. Ine makambani akawanda akaita seMerlin textiles, Zimbabwe Engineering Company (Zeco), Hubert Davies, Radar Metal Industries, National Blankets, G & D Shoes, Merlin, Tregers Group, Stewarts & Lloyds, Hunyani Holdings neCold Storage Commission pakati pemamwe. Asi pari zvino makambani aya mazhinji akatama akaenda kuHarare kana kuti akatovhara. Izvi zvirikukanganisa budiriro yeguta iri. Mishina nezvivakwa zveushangazhi muguta iyi zvakasiiwa zvichikonzera kushata kwezvivakwa izvi. Zvinotevera ndezve kuti mainivhesita anobva atya kuuya kuzoisa mari dzavo muguta iri.

Guta iri rinewo nhandare yendege yayowo inova inonzi Joshua Mqabuko Nkomo International Airport. Nharaunda yendege iyi yakawedzerwa mukukura nekuda kwekuwedzera kwevashanyi muguta nenzvimbo dziri pedyo neguta iri.