Denga neNyika

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuDenganyika)
Denganyika

Denga neNyika (Chirungu: universe) kana Denganyika mashoko aya ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi universe. Denganyika zvinoreva kuhwerengedzwa kwezvinhu zvose zvakasikwa naMwari. Denga neNyika rinobata nokusanganisira: sebhe dzose (matter kuChirungu); simba; nyeredzi; nyenyedzi; nguva nedengezeze rechadenga. Izwi rokuti Denga neNyika rinongova kubatanidzwa kwemazwi anoti denga nenyika.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zita iri rapiwa richicherechedza kuti icho chinonzi Universe kuChirungu idunhu rimwe rine mamwewo matunhu anopatsanurwa mariri. Nyangwe zvaro rine zvikamu zvizhinji nemapoka mazhinji, rudunhumwe idunhu rimwe rine mitemo yaro, nekudyidzana kwezvinhu zvirimo. Iko kudyidzana kwezvinhu murudunhumwe hakusati kwapera kuongororwa nyangwe naivo ana mazvikokota vanofunda chikamu chemitumbi iri pamukaha wechadenga; kana nemiganhu yerudunhumwe hapana chaiye anoziva kuti inogumira kupi.

Chakakosha pakupiwa kwezita iri ndiko: kugonawo kutaura nerurimi rwedu zvinhu zvikuru, zvinoshamisa, zvisina mukare wakamboona akatizuwira kuti kwakadai kumatenga kuziyenda-nakuenda uko.

Denga neNyika rinobatawo Rinopasi ratinorarama pariri nedengezeze rechadenga chatinoona zuva nenyeredzi, kunova ndiko kunobhururuka chitundumusere.

Tsananguro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izvo zvakasikwa zvinoonekwa zvinotsanangurwa senzvimbo yese nenzvimbo (pamwe chete zvinonzi nguva yemuchadenga) nezviri mukati.[1] Zvemukati izvi zvine simba rese mumhando dzaro dzakasiyana, kusanganisira remagetsi remagetsi nemagetsi, uye nekudaro mapuraneti, mwedzi, nyeredzi, magaraxies, nezviri mukati meiyo intergalactic space.[2] [3][4] Zvese zvakasikwa zvinosanganisirawo mitemo yepanyama inokanganisa simba uye zvinhu, senge mitemo yekuchengetedza, echinyakare makanika, uye hukama.[5]

Zvepasi rose zvinowanzotsanangurwa se "hupenyu hwese", kana zvese zviriko, zvese zvakambovapo, uye zvese zvichave zviripo.[5] Ichokwadi, vamwe vazivi nevasayendisiti vanotsigira kuiswa kwemazano uye zvisinganzwisisike- senge masvomhu uye pfungwa - mukududzirwa kwezvinhu zvese.[6][7][8] Izwi rokuti muchadenga rinogona zvakare kureva zvinhu zvakaita sedenga, nyika, uye zvakasikwa.[9][10]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Zeilik, Michael; Gregory, Stephen A. (1998). Introductory Astronomy & Astrophysics (4th ed.). Saunders College Publishing. ISBN 978-0-03-006228-5. The totality of all space and time; all that is, has been, and will be.
  2. Frank H. Shu, 2012, "Denganyika". Encyclopaedia Britannica online. Encyclopaedia Britannica Inc.2012. Yakatariswa: 23 Chikumi 2021
  3. "Denganyika". Merriam-Webster Dictionary. Yakatariswa: 23 Chikumi 2021
  4. "Denganyika". Duramahwi.com. Yakatariswa: 23 Chikumi 2021
  5. 5.0 5.1 Schreuder, Duco A. (December 3, 2014). Vision and Visual Perception. Archway Publishing. p. 135. ISBN 978-1-4808-1294-9.
  6. Tegmark, Max (2008). "Mathematical Denganyika". Foundations of Physics. 38 (2): 101–50. Yakawanikwa: arXiv:0704.0646 Yakatariswa: 23 Chikumi 2021
  7. Holt, Jim (2012). Why Does the World Exist?. Liveright Publishing. p. 308.
  8. Ferris, Timothy (1997). The Whole Shebang: A State-of-the-Universe(s) Report. Simon & Schuster. p. 400.
  9. Copan, Paul; William Lane Craig (2004). Creation Out of Nothing: A Biblical, Philosophical, and Scientific Exploration. Baker Academic. p. 220. ISBN 978-0-8010-2733-8.
  10. Bolonkin, Alexander (November 2011). Universe, Human Immortality and Future Human Evaluation. Elsevier. pp. 3–. ISBN 978-0-12-415801-6.