Dzvatsvatsva
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuDandira (buwe))
Dzvatsvatsva kana nyarutanda (Jerrymunglum) kapuka kemhando ye buwe (spider) kane makumbo masere(eight). Kanomhanya mhanya kwese kwese kachitsvaga chikafu. Mhando yechipuka ichi hayina huturu ende inoda kufambira murima asi inoruma zvinorwadza.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Dandira, dandadzi; dandadzira mutandira; mutandiro kana dandemutande (cobweb).
- Kutandira kana kutanda (spin as of spider) zvichireva kuruka dandadzi sezvinoita dzvatsvatsva. Vamwe vanoti kutandidza.
- Kutandira (Enclose with rope or wire) zvichireva kukomberedza netambo kana waya.
- Kutandira kana kutanda (climb as creeper plants do).
- Mutandiro (enclosure inside of net for game).
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- BaKalanga vanoti ludandi (spider's web) kureva dandadzi. Yangben vanoti mà≠làlà (n. spider's web) kureva dandadzira.
- VaZigula vanoti kutanda (spread out, spreading out). Sokuti Nkhunde zitanda - (the beans have spread out) - bhinzi dzatandira.
- VaLuba vanoti mitanda (spiders) vachireva nyarutanda.
- MaZulu vanoti ulwebu, ubulembu kana ululembu (n. Spider's web). Muenzaniso: ulwe6u lolwembu (web of spider) kureva dandemutande.
- Nsenga vanoti gungu (n. spider, scorpion). Mamwe mazwi: vugungu (n. cobweb).
- Lubwisi vanoti mbambaali (n. Spider) kureva dzvatsvatsva.