Chitumbura sezita

Kubva Wikipedia

Chitumbura izita rinowanikwa muZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Kudzai Chitumbura; Nyasha Chitumbura; Shelton Chitumbura; Tinotenda Chitumbura. Munyaradzi Chitumbura.
  • Kutumbura munzwa zvinoreva kubvisa munzwa unenge wabayira munyama. Rinorevawo zvakare chiitiko chekuzvara mwana, paya panodanwa Amai kunzi nyakutumbura.
  • Mazita ari pedyo: Chitumba; Mutumba; Mudumbi, Dumbura, Katumbura.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya.Pane tarisiro yekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi.

  • Kimbundu inoti kutumbula (v. remember, refer, acclaim).
  • VaSwahili vanoti kitumbua (Rice Fritter - fried in fat). VaNande vanoti okithumbura (n. donut).
  • Kirundi inoti gutumbura (explain thoroughly, speak distinctly, tell what was heard in eavesdropping). Mamwe mazwi: gutumbura (to stoop). Mamwe mazwi gutumbura (to cut down banana stalk).
  • Herero vanoti tumbuka (v. go near, approach). Mamwe mazwi: tumbura (cause to approach or go near; influence; allure; train). Otyi-tumbure (n. rudder).