Chitsuwa che Iriomote

Kubva Wikipedia

Chitsuwa che Iriomote (西表島, Iriomote-jima, Chiyaeyama: Irïmutii; Chiiriomote: Irimutii; Chiokinawa: Iriumuti) ndicho chitsuwa chikurusa che Zvitsuwa zve Yaeyama zve Japani, uye chitsuwa chechipiri pakukura muUfuke we Okinawa mushure me Chitsuwa che Okinawa chacho pachacho.

Chitsuwacho chine ruwa rwunotora 289.27 km2 (111.69 sk mi) uye huwandu hwevagari muna 2005 waive 2,347. Hachina pekumhara pendenge, uye vashanyi—vaipfuura 390,000 muna 2006—vaisvika kubva kuIshigaki ne barusha, mufambo we 31.4 km (19.5 mi) kuenda kuMukova we Uwahara (上原港) pagombe remaodzanyembaemabvazuva eIriomote kana Mukova we Ouhara (大原港) pagombe rechekuchamhembechemabvazuva. Nechendauro, chitsuwacho ndecheJarati re Taketomi, Ufuke we Okinawa. Hwaraunda hwayo hwunemucheto unogumira panzira imwechete yekwechigombe inokochekerana nemadzidzi zviri pamahombekombe emaodzeranyemba ne mabvirazuva.

Ruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • barusha uye maparusha muuwandu- rabva pakuti balsa; balsas kuChiputukezi, kureva ferry.
  • udzidzi uye madzidzi muuwandu - kureva hamlet, tichitodza mimwe mitauro ye Chibanthu.