Chireka sezita

Kubva Wikipedia

Chireka izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Alexio Chireka; Vitalis Chireka; Farai Chireka; Dorothy Chireka.
  • KwaMusana kuMashonaland Central kune musha unonzi Chireka.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Tarisiro ndeyekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi.

  • Sangho inoti leke (n. arrange, manufacture, prepare, repair, construct, create). Mamwe mazwi: leke tere (v. prepare oneself; solve, resolve).
  • Kiwanga inoti okhureka (trap; set a trap; catch) kuteya muteyo. Kimbundu vanoti rileka (n. mallards; duck).
  • Kiwanga vanoti: eshireeka (place where quail are trapped) kureva nzvimbo inoteyewa shiri dzarehwa idzo.
  • VaWanga vanoti okhureka amarwi (vp listen attentively) kureva kuteereresa. Kinande vanoti ekireka (n. moral; ethics; moral philosphy).
  • Basotho vanoti reka (v. buy) kureva kutenga. Barotse vanoti muleki (n. buyer) kureva mutengi uye -leka (to buy, to cost).
  • Barotse vanoti cileka (n. kind of bulb used as a ball which in the cileke game has to be hit with pointed sticks).