Chirahwe
Mataridziko
Chirahwe, musande, chirapi kana chipari (riddle) chirevo chinotaura nhau chisina kuti nanga-nanga, asi chinoda kupiripikirwa kuti zvachinoreva zvibude pachena. Anopirikira chirahwe anonzi mupirikiri kana murapanuri. Kare kumamisha pwere dzaita dambe rekuti mumwe anotaura chirahwe vamwe vachipirikira.
- Kurapanura (to solve) zvichireva kududzira kutaura zvinorehwa kana kupa mhinduro.
- Kuparikira (to give answer to a riddle).
Mienzaniso
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Tuma John asinganyare. Kurapanura kwacho: tsamba.
- Kuenda humbangu, kudzoka humbangu. Ichi chinopirikira kunzi: gonhi.
- Ndakwira mugomo ndikaona 7. Kurapanura kwacho: demo.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Baila vanoti kalabi (n. riddle) kureva chirahwe. Mamwe mazwi: kulabika (to answer correctly a ridddle) vachireva kurapanura.
- VaTumbuka vanoti kuphala (to tell) kureva kuudza. VaTumbuka vanoti kuphalira (to explain) kureva kutsanangura.
- VaNyakyusa vanoti fumbula (v. solve). Mamwe mazwi: fumba (v. enclose in mouth or hands).
- VaTsonga vanoti mahiri (n. proverb). Vanoisa h patinoisa p. Ngala vanoti mbangu (adv. early).