Chimukuyu

Kubva Wikipedia

Chimukuyu (Biltong in English and Afrikaans) inyama yakawomeswa ikarungwa nemunyu nema spice. Chimukuyu chinogadzirwa nenyama dzakasiyana-siyana dzinosanganisira: mombe; ngongoni; mbudzi zvichingodaro. Vanogadzira chimukuyu vanoitira kuchengetedza nyama uye kuda munakiro wechimukuyu.

Chimukuyu chinogadzirwa nenzira dzakasiyana:

  • Kune chimukuyu chinoti nyama inotanga yarungwa munyu yozowomeswa pamutariro uri pamusoro pechoto.
  • Kune chimukuyu chinoti nyama inomwayiwa vinegar yorungwa munyu ne spice yochiyanikwa panzvimbo isina hunyoro.

Chimukuyu chikwanisa kudyiwa chakadaro chisina kuzobikwa kana kuti chinobikwa. Nyama yechimikuyu yakabikwa nedovi inonaka samare. Kuzoti iri nyama yetsuro yakaitwa chimukuyu ikabikwa nedovi,haiwa mutakunanzva.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaTiriki vanoti khusika (grill meat, fish, etc., over a very slow fire of hot embers so as to dry it thoroughly).