Hunyoro

Kubva Wikipedia

Hunyoro (kureva moisture) kana unyoro rinotaura kuvepo kwemvura pane chinhu chiri kutariswa. Hunyoro hunopimwa sechikamu pazana chehuremu hwechinhu chiri kutariswa.

Somuenzaniso ngatitii pane saga rechibage chinorema 50kg; toti vawongorori vakawona kuti chine hunyoro hunosvika 4%. Izvi zvinoreva kuti chibage ichi chine 2kg dzemvura. Chibage ichi chingataridzika sechakaoma asi kana chakandwa muhovhoni inopisa 2kg yemvura iyi inopfungaira chibage chakasara chisisina mvura zvachose.

Kana hunyoro huchirehwa huri mumhepo hunonzi munyonhi - humidity.

Kana hunyoro huchirehwa huri muzvirimwa zvakakohwewa sechibage hunonzi mutsvava; apa kuwomesa kwacho kunonzi kutsvanura.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti manzisa (v. Moisten, wet; irrigate). Muenzaniso: ukumanzisa umhla6athi (to moisten the ground).
  • MaZulu vanoti matisa (v. Moisten, make damp).