Bhumi

Kubva Wikipedia
Mufananidzo weBhumi ichitarisa Kamera.
Hupangu mu sainzi
Muvuso: umhuka (animalia)
Faramu: Kodhata (chordata)
Musaku: Dzinoyamwisa (mammalia)
Raya: Hukari (carnivora)
Mhuri: Mbwa (canidae)
Mbari: Chimbwa (canis)
Rudzi: C. bhumhi (C. lupus)
Zita Piri (binomial)
Chimbwa Bhumhi (canis lupus) Linnaeus, 1758
Ndudzi
Tarisai Chimbwa bhumhi
bhumi chena

Bhumi (kuChingezi: wolf) bhumhi kana chimbwa bhumhi (canis lupus) imhuka ye raya rechikara. Rine mazita akasiyana se bhumi rettimbha uye bhumi pfumbu. Ndiyo tateguru ye imbwa dze chipfuyo. Muzvifundo zvemazuva ano zvakaonekwa kuti imbwa ye chipfuyo yakabva kubhumi dzakapfuywa (tamed), pakutodza nguva muudzokashure kuchamhembe cheRwizi Yangtze kuChayina makore akatanga kuona dziva re azvakatanga kuitika haadarike 163,000. Kune madzasirudzi (subspecies) e bhumi akasiyana, senge Bhumi re Akitiki. Mamwe madzasirudzi akadorongodzwa pane marudzi ari panjodzi (endangered species), asi pamusoro pezvose, chimbwa bhumhi iri pa IUCN yakagiredhwa semhuka dzisingaverengerwi njodzi.

Zita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Zita rebhumi rinowanzo shandurwa se mhumhi paGuguru, uye mubhaibheri, asi shoko iri rinomirira mhuka inozivikanwa se 'Imbwa ye Afurika yemusango', saka hazviiti kuti zita iri (mhumhi) ripihwe kumhuka yeimwe, yedu ichisiyiwa isina zita.
  • Vamwe vatauri weChishona vanoti bumhi kushevedza mhumhi.
  • Nekuda kwemazita maviri aya, shoko rekuti bhumi uye bhumhi riri kushandiswa kumirira iyo 'wolf', nekuti, imhando yembwa yemusango futi. Saka zita rekuti bhumi kana bumhi rinogona kuramba richishandiswa.
  • Saka bhumi inogona kunzi bumhi, kwete mhumhi. Zita rekuti bhumi riri kushandiswa kakuru pano kuitira kuti vatauri vemumwe mitauro yeChishona vasakanganiswe kana vachiziva mhumhi sebumhi.

Ratidziko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Bhumi hombe dzinowanzo kura masvika 1.4 kana 1.8 mamita (4.6 kusvika 5.9 ft) muhurefu kubva kumhuno kusvika kumuskwe zvichienderana ne madzasirudzi.[1] Bhumi dzinogara kumawodzanyemba anowanzowa mahombe kudarika anogara kuchamhembe.[2][3] Bhumi kuru dzinowanzo rema zviripakati pe 23 kusvika 50 makeiji (51 kusvika 110 lb). Bhumi yairemesa yakanyorwa yaive 86 makeiji (190 lb).[4]

Bhumi ine mazoru (mazzle) refu, mazhebe madiki, makumbo marefu uye muskwe murefu wakaita segwenzi.

Bhumi dzinowanzo pimwa 26 kusvika 38 manichi (inches) (66 kusvika 97 cm) pabendekete. Bhumi dzine mbava (fur) yakagadzirwa nemahwada maviri. Hwada repamusoro mukwesa netsvina uye hwda repasi rinokwesa mvura. Ruvara rwembava hwadzo hunogona kusanganisa pfumbu, chena, tawupe (taupe), mbise, uye tema.

Mamwe Mashoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tarisai futi Upangamutowo

Mifananidzo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mamwe mapeji ekutarisa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. "peji rechirokwacho cheBhumi pfumbu" Nature. Educational Broadcasting Corporation, Public Broadcasting Service. Yakatariswa: 27 Nyamavhuvhu 2021.
  2. (en:wiki) Heptner, V. G.; Naumov, N. P. (1998). Mammals of the Soviet Union Vol. II Part 1a, Sirenia and Carnivora (Sea cows; Wolves and Bears). Science
  3. (en:wiki), Hunter, Luke & Barrett, Priscilla (2011), A Field Guide to the Carnivores of the World, New Holland Publishers, p. 100,
  4. (enwiki) Graves, Will (2007) Wolves in Russia: anxiety throughout the ages. Detselig Enterprises. p. 35