Bangiro

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Bangiro (Safe, proper storage space; hoard up; store up) zvinoreva nzvimbo yakafanirwa yokuchengetera zvinhu.

Kubanga kana kumhanga (conserve, store, keep in safe place) zvichireva kuchengetedza panzvimbo yakanaka.

Mhango (safe place for storage) zvichireva nzvimbo yakanaka kuchengetedza zvinhu.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Mvura inobangirwa muchirongo.
  • Gumbu rinoshandiswa kubanga mbuva. Gumbu rinorukwa nemakavi richishandiswa kutakura mbuva - rinenge nhava hombe.
  • Mari inobangirwa kubhanga.
  • Sekuru vake vainzi Bangamuseve nokuti vaichengeta museve pose pavari.
  • Mukadzi akati nhumbi dzake banga, ndiye dhu, tundu kuenda. The woman stored her belongings in a safe place, shot out the door and left.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

VaGiryama vanoti lutsaga(store, garner - storehouse, granary).