Mupata
From Wikipedia
Muchidzidzo cheTaranyika, mupata (valley) ishoko rinoreva nzvimbo iri pakaderera inotevedza rwizi. Nzizi dzinoyerera dzichitevedza nhika saka idzo nhika idzi ndidzo dzinonzi mupata.
MuZimbabwe hova dzine mipata inotaurwa kunyanya dzinosanganisira: Zambezi Valley; Mazowe Valley; Save Valley neOdzi Valley. Izvi hazvirevi kuti dzimwe nzizi hadzifambe nemupata asi kuti vanhu vakapfumbidza mazita aya chete.