Chidzudzani

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchidzo chePimanyika (Geometry), chidzudzani (congruency in English) zvinoreva kuti zvivakwa zviviri zvine chiumbwa (shape) chakafanana uye hukuru (size) hwakaenzana. Izvi zvoreva kuti chiumbwa chokutanga chinokwanisa kushandurwa mamiriro kusvikira chati gedye-gedye kupindirana nechiumbwa chepiri; zvimwechitezvo tichitanga kushanda nechiumbwa chepiri. KuEnglish izwi rokuti chidzudzani rinoturikirwa richinzi congruency.

Kupiwa kwezita[chinja | edit source]

Zita rokuti chidzudzani riri kutoredzera pamutauro wemazuvano (slang) panonzi nevatyairi vemabhazi, nhasi radzudza vachireva kuti bhazi razara. Zviumbwa zvine chidzudzani zvinozadzana mupimo wemativi nemakonya. Chimwe chinoonekwa pazviumbwa zvine chidzudzani, kuringana kwemativi nemakonya ezviumbwa zviri kufananidzwa.