Gonyaina

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Six Quadrilaterals.svg

Muchidzidzo chePimanzvimbo gonyaina imhando yegonyazhinji ine mativi mana nemakonya mana. Makonya emukati megonyaina anohwerengedzwa kusvika pa 360o.

[chinja] Gonyaina dzemhando yeGonyaina Sambamba

Gonyaina sambamba chiumbwa chine mativi mana; mativi maviri akatarisana anenge akati sambamba uye anenge akaenzana. makonya maviri akatarisana anenge akaenzana. Zvimwe zvinoonekwa ndezvekuti danhamakonya mbiri dzinochekana kuita zvikamu zviviri zvakaenzana. Zviumbwa zviri mumupanda wegonyaina sambamba zvinosanganisira: tsazano; gonyaina tsazamativi uye gonyaina tsazamakonya.

Tsazano (Square) iri shoko rinoreva chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana negonya ina dzose dzakaenzana. Tsazano iri pamupanda wegonyaina.

Gonyaina tsazamativi (Rhombus) - iri izwi rinoreva gonyaina rine mativi akaenzana nhambwe. Gonya dzakatarisana mukati dzinenge dzakaenzana zvakare. Chiumbwa ichi chine madanhamakonya maviri anochekana negonya re 90o. Tsazano iri pamupanda wegonyaina tsazamativi zvakare.

Gonyaina tsazamakonya (Rectangle) - iri izwi rapiwa kureva chiumbwa chine makonya mana ose akaenzana; gonya rimwe nerimwe riine 90o. Mativi maviri akatarisana anenge akaenzana uye akati sambamba. Tsazano rinogona kupinda pamupanda rechiumbwa ichi asi kazhinji tinosarudza kuti tsazana rimire roga.

[chinja] Gonyaina dzisiri Gonyaina Sambamaba

Gonyaina sambambiri (Trapezium, trapezoid) - sokutaura kwezita racho, chiumbwa ichi chine mativi mana; zvakare chine mativi maviri akati sambamba.

Kayiti (Kite) imhando yegonyaina ine peya (pair) mbiri dzemativi anotevedzana akaenzana. Izvi zvinoreva kuti danhamakonya rimwe rinokamura kayiti kuita gonyanhatu mbiri dzakaenzana; dzine chidzudzani (congruency).

Personal tools
Namespaces

Variants
Actions
Banguranyika
Maturuzi
Mimwe Mitauro