Gonyo

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Angle Symbol.svg

Muzvidzidzo zvePimanyika (Geometry) gonyo (angle) izwi rinoreva kushama kwakaita mukwava uri pakati pemitsetse miviri inosangana pamukwava iwoyo. Kukura kwegonyo kunopimwa nenhamwe yekushama kwakaita mukwava uri pakati pemitsetse miviri, gonyo rinokura apo mitsetse iyi inenge iri kutaramukana.

Gonyo kana ichipimwa inopimwa nechiyero chinonzi dhigiriyi chinova chinomirirwa nevara iri (o). Mitsetse miviri kana ichinge yabatana zvokunge yakanamana, tinoti pane gonyo 0o.

Mitsetse kana yakaita mutwi (yakarurama) inenge ine mupimo wegonyo 90o.

Gonyo rinopoteredza poyindi rinopimwa kuita 360o. Iri ndiro gonyo riripo kana tapoteredza denderedzwa kamwechete zvizere.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]