Denderedzwa
Muchidzidzo chePimanzvimbo, denderedzwa (circle kuEnglish) chiumbwa chine munyonya wakavharika panzvimbo dzose uye munyonga une nhambwe dzakaenzana panzvimbo dzose zvichibva pagoko (centre) redenderedzwa racho. Nhambwe iri pakati pegoko nemuganhu wedenderedzwa inodanwa kunzi nhara, (radius kuEnglish).
Bandiko (Sector) - iri izwi rinoreva nzvimbo iri pakati pemutaro miviri (radii) yakanyorwa kubva pagoko redenderedzwa kuenda pazvimiso zviviri zvakasiyana zviri pamuganhu wedenderedzwa.
[chinja] Nhambwe yemuganhu wedenderedzwa
Muganhu we denderedzwa une nhambwe inopiwa netsazaniso inoti
Pimamuganhu, P = 2πR = πD
Apa π igovano yePimamuganhu neDiameter yeDenderedzwa, R ndiyo nhara yedenderedzwa, D ndiyo Diamater yedenderedzwa. Govano inonzi π, inoda kuyenzana na (22/7) kana kuti 3.14159 nekumwe kunyora.
[chinja] Nharaunda yeDenderedzwa
Nharaunda rwuri mukati medenderedzwa runowanikwa netsazaniso inoti:
Nharaunda, A = πR2 = (πD4)/4