Muchidzidzo chemasvomhu, hukuru (Magnitude) izwi rinotaura kukura kwakaita nhamba zvisinei kuti ine vara (-) kana (+) pamberi payo. Somuenzaniso, -50 ine hukuru hwakaenzana ne +50, nyangwe zvavo nhamba mbiri idzi dzakasiyana pahuwandu hwadzo; +50 yakawanda pane -50.