Zuvaragodza

Kubva Wikipedia

Zani rino rinoda kugadziriswa.

Zuvaragodza (kuChingezi kureva solstice) muchidzidzo cheTaranyika, mazuva anoitika muna Chikumi 20-21 ne Zvita 20-21. Pamazuva aya chikume chenyika chinowana chiedza chine manhambo kana maawa arakarebesa, chimwe chikamu chichiwana chiedza chine manhambo kana maawa akashomekesa (kureva akapfupikisa).

  • Pamazuva Chikumi 20-21 Rinopasi inenge iri panzvimbo muboterekwa yokuti North pole inenge yakanongedza kuzuva yakatsveyamira kuzuva ne 23.5o. Denderedzwa rechiedza rinenge riri panzvimbo yokuti North pole haipinde murima zvokuti North pole inowana 24 maawa echiedza. Denderedzwa reChiedza rinenge rakaita muganhu palatitude 66.5oN panova ndipo panotangira Arctic Circle. Panguva imwechete, South pole inenge yakanongedza kwakapesana nezuva, denderedzwa rechiedza rinenge riri panzvimbo yokuti South pole inoramba iri murima. South pole inowana 24 maawa erima.

Pamazuva aya, nzvimbo dzose dziri kuMaodzanyemba eMutsazanisi dzinowana chiedza kwemahawa anodarika 12; nzvimbo dzose dziri kuChamhembe kweMutsazanisi dzinowana chiedza chiri kwemahawa ari pasi pe 12. Hafu yekuMaodzanyemba inenge iri mumwaka weZhizha, hafu yekuChamhembe inenge iri mumwaka wechando.

  • Pamazuva Zvita 20-21 Rinopasi inenge iri panzvimbo muboterekwa yokuti South pole inenge yakanongedza kuzuva yakatsveyamira kuzuva ne 23.5o. Denderedzwa rechiedza rinenge riri panzvimbo yokuti South pole haipinde murima zvokuti South pole inowana 24 maawa echiedza. Denderedzwa reChiedza rinenge rakaita muganhu palatitude 66.5oS panova ndipo panotangira Antarctic Circle. Panguva imwechete, North pole inenge yakanongedza kwakapesana nezuva, denderedzwa rechiedza rinenge riri panzvimbo yokuti North pole inoramba iri murima. Nouth pole inowana 24 maawa erima.

Pamazuva aya, nzvimbo dzose dziri kuChamhembe kweMutsazanisi dzinowana chiedza kwemahawa anodarika 12; nzvimbo dzose dziri kuMaodzanyemba kweMutsazanisi dzinowana chiedza chiri kwemahawa ari pasi pe 12. Hafu yekuChamhembe inenge iri mumwaka weZhizha, hafu yekuMaodzanyemba inenge iri mumwaka wechando.