Zizi

Kubva Wikipedia

Zizi kana mbore (owl in English) ishiri inowanikwa kuzviwumbe zvose kunze kweAntarctica; zizi rinowanikwa mumarudzi mazana maviri (200). Zizi rinoverengwa sechikara chinodya dzimwe mhuka. Mazizi anodya tupembenene; dzimwe shiri uye mhuka ndiki dzepamupanda wedzinoyamwisa. Zizi kazhinji rinogara rega uye rinofamba husiku.

Chimiro cheZizi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mazizi ane maziso mahombe ari pamaberi pechiso kwete kumativi emusoro sedzimwe shiri dzinovhima. Maziso ezizi hakafamba saka rinofanira kutenderedza musoro wese kana roda kuona nerimwe divi. Zizi rinozivikanwa nokugona kumonyorora mutsipa negonya rinokwana kusvika 270o kurudyi nekuruboshwe.

Zizi rine maziso anoona zviri kure asi harikwanise kunatsa kuoona zviri pedyo macentimteres mashoma kubava pariri. Saka kana rodya rinoshandisa mukushe ari pamuromo waro kutsvaka kuti chikafu chariri kudya chiri papi chamira sei. Asi maziso aro anowona kure anobatsira zvakanyanya parinovhima husiku.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Zizi kurungwa munyu roti, "Ndava hukuwo".
  • Kwave kutondomeka kubara kwamazizi. It’s just like squatting in the way owls bear chicks. Apa kureva - One may do things that they do not believe in or care about but have to do it none the less.
  • Chiripo chariuraya, zizi harifi nemhepo. Apa kureva - Hakuna chiitiko chinoitika pasina chikonzero.
  • Rushavashava rune zizi kwarafamba rinonzi muroyi. It is the owl's· bad luck to be called a witch wherever it goes.
  • Ndezvomwana mudiki kubata nhengu anonzi rasa izizi. It is so with a young person: when he catches a drongo he is cheated into believing that it is a crow.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Sangho vanoti zeze (n. owl) kureva zizi.
  • MaZulu vanoti isikhova kana izikhova (n. Owl - generic term) vachireva zizi.
  • MaZulu vanoti isikhovampondo (n. Cape eagle-owl, Bubo capensis. Lit. Horned owl) vachireva zizi rine nyanga.