User talk:Gwatakwata

Zvirozvemo zvezanhi hazvitsigirwe mumimwe mitauro.
Kubva Wikipedia

Ndinotenda nemashoko enyu ekurudziro. Kwete handisini ndakatanga Shona Wikipedia. Pana Computer Scientist anonzi Kuda ari kuNew Zealand ndiye aishambadza paFacebook kuti vanhu vapinde pakunyora paShona Wikipedia. Ndakapinda mazviri ndakaramba ndichinyora kusvika zvino. Ndinoedza kunyora zvine chekuita ne: Science; mazita evanhu uye kucherechedza kufanana kwakaita Shona nemimwe mitauro yeBantu. Ndiri kubatawo mitauro yemuAfrika isiri Bantu ndichiwana mazwi anotodzana neShona - pari zvino ndabata mitauro inosanganisira Bambara; Tunen, Tubdhaawi etc. Mutsvakurudzo yandakaita kumutauro weKimbundu ndakasangana nezwi rakjekesa shoko rokuti Mwari rinorevei. Ndinofara zvikuru ndichiona kubatana kwemitauro yeBantu.

  • Kimbundu vanoti muari (n. boss, master, lord, sir, superior; elder; house owner, big, old) kureva tenzi. Fananidzai nokuti Mwari?
  • Kimbundu vanoti muene (owner), kureva mwene. Izwi iri ndaisa kuti tijekese orthography yeKimbundu.

Hooo ndafara, anonzi Kuda ani ndigomutsvagawo, imi ndakaku tsvagai ndikashaya. Gwatakwata (talk) 07:20, 8 Chikunguru 2021 (UTC)[mhinduro]