Tsazahusiku

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo cheTaranyika (Geography), mazuva eTsazahusiku anoitika March 20-21 neSeptember 20-21. Pamazuva aya Denderedzwa reChiedza rinocheka North pole neSouth pole - mativi ose eAkiso anenge ari hhambwe dzakafanana kubva kuzuva - hapana divi rinenge riri pedyo nezuva kudarika rimwe. Zvakare hapana divi reAkiso rinenge rakanongedza kune zuva. Pamazuva aya nzvimbo dzose dziri panyika dzinowana husiku hwakaenzana, hwakareba 12 maawa - saka mazuva aya achinzi Tsazahusiku- equinox.

Kubva pana March 20-21, nguva yechiedza inoenda ichireba kuhafu yekuMaodzanyemba - kutanga kwenguva yeChirimo (spring) kunzvimbo dziri kuMaodzanyemba kweMutsazanisi. Kunzvimbo dziri kuChamhembe, nguva yechiedza inenge ichiderera, kutanga kwenguva yeMatsutso (autumn) kunzvimbo idzi.

Kubva pana Sep 20-21, nguva yechiedza inoenda ichiderera kuhafu yekuMaodzanyemba - iyi inguva yemwaka we[[Matsutso] (autumn) kunzvimbo dziri ku[[Maodzanyemba kweMutsazanisi. Kunzvimbo dziri kuChamhembe, nguva yechiedza inenge ichireba, nguva yemwaka weChirimo kunzvimbo idzi.


Chivakamberi chekuti Tsaza- chiri pamberi peshoko rokuti tsazahusiku chinodudza kuti zvinhu zvakataurwa kumashure kwacho zvakaenzana. Vara rokuti Tsaza- rinofanana nerokuti equi- rinoshandiswa kuEnglish pamberi pemashoko anoti: equilateral, equidistant, equiangular.