Thumani Mabwe

Kubva Wikipedia

Thumani Mabwe murume akaberekwa mudunhu raShe Makoni kuRusape. Akadzidza pachikoro chikuru cheUniversity of Zimbabwe uko akaverenga Bachelor of Science . Murume uyu anonyora zvinyorwa aine chinagwa chokuti isu vatema tinge tichiumba mitauro yedu. Chishuvo chake kuti tigone kutaura zviri muzvidzidzo zve: Science, Mathematics, Law, Commerce tichishandisa rurimi rwedu.


Parizvino akanyora zvinyorwa zvinoti: Pimanyika; Nhevedzwa dzeMvura; Mwaka yepaNyika; Hushangazhi; Nyeredzi; Fundoyetsimba; Mutandira weZuva; Mazita eChishona; Denga neNyika, madzinde, Mutemo waPareto ,nezvimwewo zviri mubumbiro reWikipedia yeShona.


Iye anoti rwendo urwu rungataridzika serwakareba asika, rwendo runotanga nenhanho imwe. Anoda kukurudzira vatema kuti, "tidade nerudzi rwedu, chimiro chedu nedzinza redu" - kuriko kuimba kwakaita muimbi, Oliver Mtukudzi.