Tete

Kubva Wikipedia

Tete (nge. paternal aunt) rinoreva hanzvadzi yababa. Iyi ingava hanzvadzi yemumba kana imwe ipi zvayo hanzvadzi yerudzi rwekwababa kana mai vababa vako munhu. Kune dzimwe nzvimbo, hanzvadzi yasekuru vakazvara baba inodanwawo kunzi tete.

Mamwe mashoko anoshandiswa anosanganisa, sangadzi, babakadzi, babamukunda kana bambomukunda (kureva "female father" kuChingezi).

Kujekesa

  • Munhukadzi wose werudzi rwuri pamusha kana kuti akazvarwa mumusha imomo nditete kana kuti vachazova tete.
  • Munhukadzi wose akauya mumusha kuburikidza nokuroorwa ndiAmai kana kuti vachazova ambuya.

Mitauro ye Afurika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kabwa inoti senga (paternal aunt) kureva tete. VaMbugwe vanoti shangazi (n. paternal aunt) kureva tete. Zigula inoti sangazi kureva tete.
  • Lunyoro inoti isenkati kana tataenkazi (paternal aunt) kureva tete hanzvadzi yababa. Lunda inoti taatakanzhi (n. paternal aunt) kureva tete.
  • Kikuyu inoti tata (aunt) kureva tete. Kagulu inoti sangasi (aunt) kureva samukadzi. Soo Kuliak inoti tete, teta (my father's sister) kureva tete.
  • VaTsonga neShilenge vanoti hahani (aunt) kureva tete. vanoisa h pamwe patinoisa p.

Ringai zve:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]