Rugare

Kubva Wikipedia

Rugare, muchete kana mugaro (peace) zvinoreva kugadzikana kwenyika kana musha; pachinge pasina hondo, bishi kana bopoto. Rugare rwakakosha munyika kuitira kuchengetedzeka kwehupenyu hwevanhu, kuchengetedzwa kwepfuma, nekusimudzira mabasa ebudiriro.

Muchete kana rubvuro zvinoreva kuti zvinhu zvakamira mune zvakanaka (satisfactory state of affairs).

  • Kuita muchechetere, kuteramisa (make peaceful) zvichireva kuwadzanisa kana kuunza kugadzikana.
  • Kuva nezivambira kana kuvamba (seek a quarrel). Vemamwe matunhu vangati kuva neziyambira kana kuyamba.??

Mamwe Mashoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Dendemaro (1. Peace) apa kureva rugare.
  • Madhunamutuna (Disorder - civil). Pasi paita madhunamutuna: the world is in an unsettled state.

Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kinande vanoti obuholo (n. peace, tranquility, calm) kureva rugare. Mamwe mazwi: mbolere (in peace). Baila vanoti chibanda (n. peace) kureva rugare.
  • Mang'anja vanoti mtendere, ntendere, tebwe kana matebwe (peace) kureva rugare.
  • VaRwanda vanoti gutuza (to be quiet, to be peaceful, to be silent). Mamwe mazwi guturisha (to make quiet, to silence). Fananidza nemazita anonzi Thulani, Mthulisi naNokuthula eSiNdebele.