Robert Gwaze

Kubva Wikipedia

Template:MedalTop Template:MedalSport Template:MedalCountry Template:MedalCompetition Template:MedalGold Template:MedalBottom Robert Gwaze (akazvarwa muna1982) mutambi wechess muZimbabwe akaberekerwa muHarare, Zimbabwe . Aimbova mudzidzi paChikoro che Prince Edward, muHarare. Ava nemakore gumi nemashanu akange ave Mukundi we vatambi vese veChess munyika yeZimbabwe(Zimbabwe National Chess Champion),pamatanho ose, vadiki nevakuru.

Gwaze akahwina 1998 African Junior Championship muNairobi, Kenya, izvo zvakamuwanisa zita raInternational Master (IM). Zvichida kubudirira kwake kukuru kwaiva kumakwikwi eChess Olympiad muna 2002 kuBled, Slovenia apo akawana zvibodzwa zvisingawanzoitiki, akahwina mitambo yake mipfumbamwe yose ari pabhodhi rekutanga reZimbabwe, izvo zvakaitwa na iye chete naAlexander Alekhine.

Muna 2007, akahwina Mumakwikwi eAfrican Individual Chess muWindhoek, Namibhiya, akawana nzvimbo mu2007 Chess World Cup . Mumakwikwi aya e2010 Chess World Cup Gwaze akabviswa mumutambo wekutanga nemhodzi yechishanu Alexei Shirov . Muna 2010 akauya pekutanga mumakwikwi epasi rose eCuca Trophy muLuanda, Angola. Akatora chikamu cheChess World Cup 2011, asi akabviswa mumutambo wekutanga neaimbova FIDE World Champion Ruslan Ponomariov .