Nyabira

Kubva Wikipedia

Nyabira inzvimbo iri kuMashonaland West munzira inoenda kuChinhoyi. Izwi rokuti kubira rinoreva kuyambuka rwizi; saka nyabira zvinokwanisa kureva pane zambuko kana nzvimbo yekubira rwizi.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nyungwe vanoti bira kana mabira (sheep) kureva hwayi. Kimbundu vanoti kabila (shepherd) kureva kufudza hwayi.
  • Swahili vanoti kabila (a tribe, subdivision of a tribe). VaIkizu vanoti rikabira (tribe) kureva rudzi.
  • VaKabwa vanoti kabhira (tribe) kureva rudzi. VaGwere neVaGungu vanoti kibira (forest) kureva sango.
  • VaBukusu vanoti khuubira (v. pass, go by, go through) kureva kubira. Mamwe mazwi: khúúbirira (go past, pass by).
  • Sangho vanoti wabira (n. warrior, combatant) kureva murwi wehondo. Mamwe mazwi: bira (v. struggle).