Njuzu

Kubva Wikipedia

Tarisai futi peji re Njuzu (shavi)

Njuzu se zvainotarwa kuchirungu

Njuzu (ku Chingezi: water spirit; mermaid) kana izita rinoshandiswa kutumidzira shavi ye mvura kana shavi inogadara mumvura. Mumazuva anhasi shoko iri rinoshandiswa futi kureva chinonzi mermaid (memedhi) kutsika ye Varungu, chisikwa che ruambangano yavo chine mwiri inoratidzika se wehove kuzasi asi semunhu kumusoro.

Hapana shoko re chishona rinoshandiswa kumirira iyo memedhi, saka shoko rekuti njuzu rakatorwa nekuti zvese zviri zviviri zvinogara mumvura.

Njuzu ne memedhi yeVarungu zvakasiyana nekuti maitiro adzo mutsika dzedu ne yavo hazvina kufanana.

Madanirwo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rekuti memedhi (mermaid) kuChingezi rinoshandisirwa "chihove-munhu" chechikadzi, shoko rekuti memeni (merman) ndiro rinoshandisirwa "chihove-munhu" che chirume.

Mutsika yanhasi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tarisai futi peji re Njuzu mutsika yanhasi

Terevhizeni[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mu makatuni evana akasikwa ne Disney pane njuzu inonzi Ariel, ine vhudzi tsvuku.
  • H20: Just Add Water - nde imwe sirizi ye vana vakati kurei, ye zvenjuzu dzechirungu.

Mamwe mapeji ekutarisa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kimbundu vanoti kianda (n. mermaid) kureva njuzu.