Shavi

Kubva Wikipedia

Shavi (nge. spirit, wandering spirit; alien spirit) kana mweya wemutorwa, pahuwandu anonzi mashavi. Pane zvitendo zviri pamusoro pemashavi.

  1. Chitendo chokutanga ndechekuti shavi harisi shavi re munhu anehukama newe, zvichireva kuti nderemunhu wekumwe rinenge richifama-famba rozowana munhu anoda kuritora nemoyo wose. Rinobetsera munhu wacho nezvaanodawo, kana kuti rinopa munhu iye hunhu hwaro. Senge shavi rekuyimba rinoita kuti munhu iyeye agone kuyimba zvokuti kunyangwe anga asingagoni mushure mekusangana naro. Shavi rekumwe ndiro "alien spirit" shavi rausina hukama naro.
  2. Chitendo chechipiri ndeckekuti shavi rinogona kuva nehukama newe kana kusava nehukama newe, senge shavi sekuru wako rinogona kukupinda. Kana riri shavi remunhu anehukama newe munhu wacho anogona kunge akafa kure asina kuitirwa seremoni ye kurova guva kuti aite mudzimu, kana kuti akamukira ngozi (iri rinenge ratova shavi rakasiyana). Shavi remhuri ndiro "wandering spirit", rinofamba-famba.

Pane furezi yeChishona inoti:

Muchenjere kupembedza ngozi muchiti mudzimu. Zvireva kuti: "Be careful of venerating an avenging spirit thinking it's your ancestral spirit."

Mhando dzemashavi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pane mashavi akawanda zvokutoti haawerengeki, nekuti chimwe ne chimwe chine shavi racho, shavi zvinoreva futi kungoti "spirit", kunyangwe rakanaka kana rakashata, shavi ishavi.

Udorongodzwa hudoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Shavi rekuvhima - iri rinonzi wo hombarume
  2. Shavi rerudo
  3. Shavi rehutsinye
  4. Shavi rekudzana
  5. Shavi rekuba
  6. Shavi rekuroya
  7. Shavi rekunyora
  8. Shavi reupi
  9. Shavi rekumhanya
  10. Shavi rekushava
  11. Shavi rekuvaka, zvakangodaro zvichienderera mberi.
  12. Shavi rehupombwe