Avhareji

Kubva Wikipedia

Avhareji (average in English) zvinoreva nhamba iri pakati pedzimwe inowanikwa nekuhwerengedza nhamba dziripo, mhinduro yacho yogovaniswa nehuwandu hwenhamba dziripo. Somuenzaniso vana vanopedza zvidzidzo zvePrimary School vari paavhareji yemakore 13 ekuberekwa.

Kana tiine nhamba gumi sezvizvi: 13; 16; 22; 34; 37; 35; 11; 14; 19; 23 tinotanga tahwerengedza towana 224. Danho rinotevera tinogovanisa negumi tichizowana avhareji iri 22,4 inova pakati nepakati penhamba idzi.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Pakutaura kwemazuva ano tinotaurawo kuti avhareji sokunge izwi reChiShona, saka pano pangonyorwawo nemanyorero edu echivanhu zvichibva pamataurire edu.
  • Mazuvano mari yebhazi kubva Harare kusvika kwaHauna iri kuavhareja $10 kuenda chete.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti linda (Be of average height or size; be of correct size).
  • MaZulu vanoti Akamude ulindile-nje (He is not too tall, he is just of average height).
  • MaZulu vanoti umumo (Feature, characteristic; state). Mamwe mazwi: umumo kana ubumo (average number).
  • MaZulu vanoti isimo (Form, shape, nature, character). Muenzaniso: isimo somuntu (the character of a person) vachireva hunhu hwemunhu.