Nhamba mhumburu

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchodzidzo masvomhu Nhamba mhumburu (Whole Number in English) inhamba izere isina dimbu pairi. Nhamba mhumburu inogovaniswa na 1 pasina musarirwa. Nemamwe maonero boka iri ringanzi nhamba dzekuverengesa asi pasina zero - counting numbers. Nokudaro nhamba dziri mariri dzinosanganisira 1, 2, 3, 4, 5, 6 ..... zvichingodaro. Shoko rokuti mhumburu rinoreva chinhu chose chizere chisina kugurwa kana kumedurwa - whole object, rounded.

Tsika[chinja | edit source]

  • Shato inokwanisa kumedza nguruve iri mhumburu - a python is able to swallow a pig whole.