Musarirwa

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo masvomhu musarirwa (remainder in English) chikamu chinosara kana nhamba huru yagovaniswa munhamba diki, govaniso iyi ichiitika nenzira yokuti nhamba diki haipindi kuti gedye-gedye kune nhamba huru.

Somuenzaniso tikagovanisa 3 anopinda muna 14 kanokwana ka 4 kuchisara musarirwa wezviviri (2).

Izvi zvinonyorwa zvichinzi:

14 ÷ 3 = 4 sare 2