Mvandara

Kubva Wikipedia

Mvandara (kureva non-virgin) idzina (kana nauni) reChishona rinoreva musikana asisiri mhandara zvichireva anenge akarara nemurume zvepabonde.

Mhandara inogona kuva mvandara nekuda zvichireva anobondana nemunhurume pachake nechisaro chake panechimvumo. Murume waanorara naye anogona kuva chikomba chake, shamwari uye, kana mwamuna kureva kuti munhurume waakaroorana naye.

Asi, zvakadaro, dzimwe mhandara ndinoitwa mvandara ngokuda kwekubhinywa, zvichireva anobondwa asingade pasinawumvumo. Izvi zvinoitika kuvanasikana vechidoko kureva twana twusati twatosvika muzera rekuziva zvebonde, uye zvinoitika kuvanasikana vezera rokuziva asi vachiri vadoko matineja kureva vari pasi pezera rechiguminesere. Uye zvinoitika wo kuvanhukadzi vatokura kuva vanamuzvare vezera riri pamuso peguminepfumbamwe.

Stigima[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ringai peji huru: Stigima ye munzanga.

MuZimbabwe nenyika zhinji dzemuAfurika pane stigima inotevera vanasikana vave mvandara, kunyangwe zvikanzi vakabhinywa kana kuti vakapachimvumo. Izvi zvinoita kuti vana vasatauri nevabereki kana vakabatwa nekuti vabereki vanopa balem pavana kwete manyengapwere vanochiva vana vadoko. Pamusoro pezvo, zvajairwa hazvijairikwe, vana ndivo vanofundiswa kunzi pfeka semudzimai kuitira dzimwe mhando dzevanhurume vakuru vasachive vana, idzo mhando dzevanhurume ndidzo dzinofanhira kufundiswa kuti kuchiva vana hurema.

Pane shoko revasikana vabviswa humhandara asi hapana shoko reshoko rinotsanangura vakomana vabviswa hujaya, nekuti mutsika vakomana havaonikwi sevanobviswa chinhu asi sekuti ndivo vanobvisa. Nekuda kwazvo, zvinofundisa vanasikana vachiri vadiki kuti kukosha kwavo kunouya nemwiri nebonde, uye zvinofundisa vanakomana kuti vasikana vanokosha vachiri mhandara. Izvi ichokwadi hacho kuti humhandara hwakakosha, asi majaya nevanhurume vakuru vanorara nevakadzi vavasingazo roore, vanoona kuva mhandara sekwakakoshesa asi vanhurume vanokwanisa kurara nevanhu vakawanda. Pamusoro pezvo, munzanga vanhurume vanenge vaita chakaipa kumunhukadzi vanotsananguri vachiti hachisiri mhandara, anoshupa uye haasi mhandari nezvimwe wo.

Chimwe chakaipa ndechekuti panobhinywa vana vechikomana kutaurwa nezvazvo hakuna, kunangwe pano bhinywa vanhurume vakuru. Nzanga yedu haikoshisi ikwaliti ye vanhu vose vanogara munharaunda, vanhurume vanotenga bonde kumwana mudiki anenge achizvitengesa kuitira hanzvadzi kana mhuri yake kwete kungomupa mari yacho zvemahara. Vanhurume vakuru vanobondana nevanasika vekuYunivesiti kutosvika pakuhurira madzimai avo, vana vacho vari zera dzevana vavo wo futi.

Vashoma munzanga vakadzi vanosimbisa kudarika vanhurume asi, varikowo vakadzi vanobhinya kana kurova vanhurume, hazvitaurwi wo futi. Uye vanhurume vanosvika pakuzvisungirira nekuti vakabhinywa nevakadzi uye vanenge vasingaonwi sevarume nekuda kwazvo vachitongeswa nevamwe vanhurume. Pamusoro pezvo, zvinoomesesa kana vakabhinywa nemumwe munhurume, kunyanya twana twechikomana twudoko, ne majaya futi.

Zvimwe zviziviso:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ringai zve:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]