Muyerero weMagetsi

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo fundoyetsimba, muyerero wemagetsi (current) zvinoreva kuyerera kwechaji yemagetsi muhwendedzo inopereka magetsi.

Mumaseketi emagetsi, chaji iyi inositakurwa nemaerekitironi muwaya. Inogonawo kutakurwa nemaayoni mumugetsenurwa (electrolyte) kana kuti nezvose maerekitironi nemaayoni mupurasima.

Chiyero chemuyerero mumaSI chinoyera reti yekuyerera kwechaji paumwe hwechiyero chenguva chinonzi ambee (A) (muChirungu, ampere). Ambee imwe chete inoyera chaji yecoulomb imwe chete inoyerera munguva yesekondi imwe chete. muyerero rwemagetsi runopimwa nemuchina unonzi amita.


  • Kutseneneka (ran in the form of a stream) zvichireva kuyerera serukova kusina mugumo asi kunoramba kuchiitika. Saka tinokwanisa kuturikira current kuti mutsenerero.
  • Nhetemetsi (Electric Current; electricity).

Mhando dzemuyerero[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muyerero unonyanya kuwonekwa ruchifamba nenzira mbiri dzinoti: muyerero unodungidzira (alternating current) uye muyerero wakadondeka (direct current).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaLenje neVaBemba vanoti mukuku (Current, flow of a stream or river) kureva muyerero wemvura. Pane izwi rinonzi makukurudzi kuShona.
  • VaWabo vanoti ngwalra kana ngwara (n. current; flow). VaWabo vanoti ngwalra (v. flow).
  • VaKongo vanoti kurá (n. electric current, electricity) kureva muyerero wemagetsi.