Mutuke
Mutuke izita remhuri muZimbabwe neCongo, Kinshasa. Izvi zvinoreva kuti zita iri rinowanikwawo munyika dziripakati peZimbabwe neCongo, Kinshasa. Munyika yeZambia muNorthen Province, munenzvimbo norukova runonzi Mutuke, kumabvazuva kweguta diki rinonzi Nseluka, uye kuri kumadokero kworwizi rukuru runonzi Chambeshi. [1][2] Izvi zvinoratidza kuti varidzi vezita iri vakabva nechekuMaodzanyemba kweZambia vachidzika kuChamhembe.
Vazhinji vavo vekwaMutuke vanoera zhou.
- Vanhu vane zita iri: Martin Mutuke; Masimba Mutuke; Cedric Mutuke; Mufaro Mutuke.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.
- VaHerero vanoti tuka (v.i. tan) kureva kusuka dehwe.
- VaHerero vanoti omu-tuke (n. tanner) kureva musuki wematehwe.
Mumitauro yeBantu yekumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAfrica, kunyanya mu Otjiherero (Herero) chinotaurwa kuNamibia, pane dudziro ine hukama nezita Mutuke. MuOtjiherero, chiito tuka chinoreva kugadzira kana kunyatsosuka matehwe emhuka (ku 'tanner'), uye inzwi omu-tuke rinoreva munhu anoita basa iri, kureva mugadziri wematehwe kana 'tanner'. Kuumbwa kwenzwi iri uku kunotevera chimiro chemitauro yeBantu apo chivakashure omu- chinoshandiswa kureva munhu anoita chiito chataurwa. Dudziro iyi inowanikwa mumaduramazwi eOtjiherero uye hairevi kuti izwi iri rinoshandiswa muchiShona, asi rinoratidza kuenzaniswa kwemazwi (comparative linguistics) pakati pemitauro yeBantu uye mukana wekuti zita Mutuke rinogona kunge rakabva kana kufanana nemazita emabasa kana tsika dzekare mumamwe matunhu eAfrica[3] [4].
Nhoroondo yezita Mutuke
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mutuke izita rechiShona rine midzi yakare, rinoonekwa munhoroondo dzemadzinza, mumazita evanhu, uye mumazita enzvimbo kana zvivakwa, uyewo nenzizi, zvinoonekwa nokuve munyika dzakasiyana siyana dzemuAftica kwezita iri[5].
Mazita akaita sa Mutuke, kunyange asingawanzoshandiswa mazuva ano, achiri kuwanikwa munzvimbo dzakasiyana-siyana. Kunzwisiswa kwemavambo uye dudziro yawo kunonetsa nokuti anowanikwa pakusangana kwetsika dzekutaurirana nemuromo chete (oral history). Ongororo yemitauro yeBantu, uye mashandisirwo emanzwi aya muno haanyatsobatwa nema 'database' mumaComputer emazuva ano. Zvisinei, kuenderera mberi kwekuwanikwa kwemazita aya, kunyange pasina dudziro yakajeka yezvaanoreva, kunoratidza kuti angava mazita ekare aimbova ane kukosha panguva yaaishandiswa zvakanyanya. Kupera kukosha kwemazita hazvisi mumazita emuAfrica chete asi epasi rose[6]
[7].
Mutuke Kunyika dzekunze
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Zita rekuti Mutuke rinowanikwawo munzvimbo dzakasiyana siyana dziri kunze kweZimbabwe, kunyanya muAfrica, richishandiswa sezita remisha, nzizi, kana zvivakwa.
Nigeria
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]MuNigeria, Mutuke rinoshandiswa sezita remisha pamwe nezvivakwa:
- Mutuke Primary Health Clinic iri mumusha we Kofar Jauro, uri mu Funakaye Local Government Area mudunhu re Gombe State. Chivakwa ichi chinopa rubatsiro rweutano, zvikuru kuvakadzi vakazvitakura nevana.
- Mutuke musha uri kumaruwa, uri pasi pehutongi hwe Karim Lamido mudunhu re Taraba State. Nzvimbo iyi inoratidzwa mumamepu emigwagwa nemisha yeNigeria.
Zambia
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mu Zambia, Mutuke izita remusha pamwe nerwizi:
- Mutuke musha uri mu Mugwi District, mudunhu guru reNorthern Province. Musha uyu uri pedyo nerwizi rune zita rimwechetero.
- Rwizi Mutuke runodira murwizi rukuru rwe Chambeshi, runova chikamu chehurongwa hwemvura inoyerera kuCongo Basin.
Onaiwo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
References
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- ↑ |Mazita enzvimbo dzemuZambia Georgraphic Names. Retrieved 19 January 2026.
- ↑ Mutuke Hamlet/Stream Retrieved 19 April 2022
- ↑ Otjiherero Woordeboek / Otjiherero–Afrikaans–English Dictionary Viljoen, J.J. & Kamupingene, T.K. | Windhoek Gamsberg Macmillan.| Retrieved 20 January 2026
- ↑ English-Herero Dictionary F.W. Kolbe, Cape Town: Juta, (1883)| Retrieved 20 January 2026
- ↑ Mutuke Surname Origin, Meaning & Last Name History Retrieved 19 January 2026}}
- ↑ General history: Extinct noble families', in Magna Britannia: Volume 6, Devonshire (London, 1822) Daniel Lysons, Samuel Lysons | British History Online | Retrieved 20 January 2026
- ↑ DYNAMICS OF FASHION: THE CASE OF GIVEN NAMES Damian H. Zanette| physics.soc-ph (2012) | Retrieved 2026
- ↑ Mutuke Primary Health Clinic| MutukeMaternityClinic, The Hospital Book. Retrieved 19 January 2026.
- ↑ Mutuke, Taraba State| Mutuke Village, StreetMap Nigeria. Retrieved 19 January 2026.
- ↑ |Mutuke, OpenAlfa Nigeria Streets. Retrieved 19 January 2026.
- ↑ |Mazita enzvimbo dzemuZambia Georgraphic Names. Retrieved 19 January 2026.