Mutambo weTsoro

Kubva Wikipedia

Tsoro kana fuva mutambo unotambirwa mumakomba akafukurwa muvhu nematombo anenge akarongerwa mumakomba makare. Makomba aha anocherwa ari mizera mina, kwakaita makomba manomwe pamuzera.

Mutemo weTsoro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mutambi anopihwa makomba ake ari mumitsara miviri.
  • Makomba emutambi mumwe anokwanisa kuva manomwe kana kuwanda kusvika makumi mana kudivi rake.
  • Gomba rimwe nerimwe rinodyarwa matombo akawanda zvakaenzana panotanga mutambo wetsoro. Matombo angava maviri matatu kana mana zvichibva pakuti vatambi vasarudza zvipi.
  • Chinangwa cheMutambi wetsoro ndechekutapa matombo emukwikwidzani.
  • Mutambi anovamba kutamba anosarudza gomba rekutangira ononga matombo egomba iri achigovanisa mumakomba akatevadzana kudivi rake. Pakugovanisa uku mutambi anotevera divi rimwe riova ndiro raachafamba naro kusvika mutambo uchipera.
  • Kana dombo rekugumisira rakawira kumutsara weshure mugomba rine mamwe matombo, mutambi anonongeredza gomba iri achipfuurira mberi nekugovanisa achitevedza divi ravambwa naro.
  • Kana dombo rekugumisira rakawira kumutsara wemberi, mutambi anotapa matombo emukwikwidzani ari mudungwe rimwero rawira dombo rekugumisira.
  • Chijana chekutamba chinoguma kana dombo rekugumisira rawira mugomba reshure risisina dombo kana kuti mugomba remberi rakanangana nemakomba emukwikwidzani asisina dombo.
  • Mutambo wetsoro unopera apo mumwe wevatambi anokwanisa kutapa matombo ose emukwikwidzani.
  • Mutambi akunda ndeuyo anokwanisa kutapa matombo ose.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]