Muringani sezita

Kubva Wikipedia

Muringani izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Primrose Muringani; Linda Muringani; Kudzai Muringani; Monica Muringani.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi.

  • MaZulu vanoti umlingane kana abalingane (fellow, equal), munhu akaenzana newe kana mabiyangu. VaTsonga vanoti muringani (n. partner).
  • MaZulu vanoti umlingani kana abalingani (term of relationship between parents-in-law) kureva vakurungai.
  • AmaZulu vanoti umlingane kana abalingane (term of relationship between a man's parents and those of his wife) kureva vakurungai.
  • VaChewa vanoti linga (to measure, to weigh). Mamwe mazwi: kulingana (to be equal, to compare). Malinga (equality, justice).
  • Kimbundu vanoti malungo (adj. of the same condition; foster brother; comrade, fellow).