Muhacha
Mataridziko
![](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/6/6f/Muchero_weHacha.jpg/220px-Muchero_weHacha.jpg)
![](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/2/25/Hacha_Yakarumwa.jpg/220px-Hacha_Yakarumwa.jpg)
Muhacha, muchakata, mubuni kana muisha (mobola plum, hissing tree. ) muti unowanikwa muZimbabwe unobereka vana vakada kuenzana nemazhanje. Muchero wacho unonzi hacha, chakata kana mbura.
- Kunonzi madhongi anodya hacha.
- Dzimwe nguva panzvimbo pane muti wemuhacha panonhuwa kunge paitirwa tsvina.
- Muchero uyu unobatsira zvikuru kupa chikafu kuvanhu nemhuka kunyanya mumwaka dzekunge zvirimwa zvashaiwa mvura.
- Munzvimbo dzakawanda dze Zimbabwe vanhu vanodzvura hacha vogadzira kudya kunodakadza kunonzi manyeu
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Venda vanoti mbula kureva hacha. Subiya vanoti imbula kureva hacha. Lozi inoti mubula kureva muhacha.
- IsiNdebele vanoti umkhuna; mkhuna kureva hacha. Chewa vanoti maula (n. Parinari curatellifolia, parinari mobola) kureva hacha.
- Kwamashi vanoti mutha (n. Parinari curatellifolia) kureva muhacha.
- Setswana vanoti mmola kureva hacha. Mbukushu vanoti gutha, tha kureva hacha.