Mswaka
Mswaka kana Muswaka mazita emhuri anowanikwa muZimbabwe.
Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.
- VaNyungwe vanoti uswaka (youth) kureva vanhu vadiki pazera.
- VaWanga vanoti okhuswaka (v. pound in a morter) vachireva kutswa muduri.
- VaTiriki vanoti khuswaka (to pound - as with a pestle) kureva kutswa kana kudzvura.
- Kune rudzi rwevanhu vanonzi Maswaka vanogara mudunhu reSwaka kuZambia. Zvichida Muswaka zvinodudza munhu werudzi urwu.