Mundandaridza

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMindandaridza)

Mundandaridza kana mundandaritsa (Process in English) zvinoreva mabasa anoitwa nematanho uye nenzira dzakarongeka zvichishandiswa mukushandura nhumbi dzinopinda muhushangazhi kuti dzive zvibereko zvinokwanisa kutengeseka. Pakuwanda tinenge toti Mindandaridza (processes).

Kana mundandaridza wavapo unonyoreswa kuPatents Office kuitira kuti vanoda kuzoshandisa mundandaridza uyi vanopota vachiripa rukoto kune muridzi akavamba mundandaridza wacho. Nokudaro mindandaridza inonyorwa pasi kuchidudzwa kuti kunoshandiswa mutowo yakadii kuita basa iri. Zvose zvinopinda pamundandaridza, zvinosanganisa nhumbi, hujoto hunodiwa; nguva inoshandwa nezvimwewo zvinofanirwa kududzwa.

Somuenzaniso, gasi reAmmonia rinogadzirwa kuchishandiswa Mundandaridza waHaber (Haber process).

Mundandaridza rekuvhota[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Somuenzaniso uri nyore kunzwisisa, mundandaridza wekuvhota unotevedza nzira iyi:

  • Munhu anotaridza chitupa;
  • Zita rinotariswa mubhuku revakanyoresa kuvhota;
  • Zita rinochekwa mubhuku;
  • Muvhoti anonyika mawoko ake mudhayi;
  • Munyori anotambidza muvhoti pepa rokuvhotera;
  • Muvhoti anovhota okanda pepa rake mubhokisi asina waanotaridza.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti mundandaridza rinobva pane rokuti mundanda (an arrangement of things in line) rinoreva kurongeka kwezvinhu pamutsetse zvichidevana zvakarongeka. Ndizvo zvimwechete nechinonzi "Process" kuEnglish kana ichinge yashanda nemazvo inofanira kubuditsa zvibereko nenzira yakarongeka inopa: chouviri, chinofadza, chinotengeseka, chinopa kurarama, kana kubuditsa zvine tsarukano.

Mundandaridza unosvitsa zvinhu mberi, tisingati zvasvika pakugumisira pazvo asi kuti zvasvika pari nani pokuti kana zviri zvinotengeswa zvave nemutengo uri nani - "value added".

Process - a continuous action or operation, a series of changes taking place in a definite manner.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]