Mheta

Kubva Wikipedia

Mheta mumwe wemitupo ine vanhu vemuZimbabwe vanobva kumabvazuva kana kuti kuManicaland. Vanhu ava vanoyera nyoka inonzi shato.

Rimwe zita ravanodaidzwa naro rinonzi Chikata kana kuti Svova. Vamwe ndivo vanodanwa nekunzi Chifambangedumbu. Vamwewo vanoti Mhukahuru kana kuti Nyokahuru.

Vazhinji vanoyera Mheta vanoshandisa mazita emhuri ekuti: Saunyama, Makanha,Masunungure, Sachinda, Nyamhindu, Chiwodza, Mwamuka, Mudowaya, Nyajeka, Mbetsa, naNyamaropa. Mutupo uyu unowanzokosheswa zvakanyanya kuManicaland: Honde Valley; Nyanga; Mutare; Nyamaropa. Mheta, Shato, Chirombo, Chinorumavanhu, Chinofamba nedumbu, Chinamawara, Svongorongo, Chikatauswa, Chikata, Chikara zvidavado zvinodeedzwa vaera Mheta.