Baradzarudzi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMharadzarudzi)

Shoko rokuti baradzarudzi (genocide kuChirungu) rinoreva chirongwa chakanangana nokuparadza vanhu verumwe rudzi vanhu ava vachiurayiwa nenzira yakarongwa neavo vanenge varangana kuti vaite huipi hwakadaro. Chiitiko chebaradzarudzi chakaitika kuEurope panguva yeHondo yePasirose yeChipiri apo pakaurayiwa maJudah vanosvika mamiriyoni matanhatu (6m) vakapondwa nemawuto aitungamirwa nemutongi godzonga (tyrant, dictator) ainzi Adolf Hitler. Nhoroondo yejambwa iri inowanikwa pachinyorwa chinonzi rushigido.

Baradzarudzi rakaitikawo zvakare munyika yeRwanda apo pakava nekupondwa kwemhomho yevanhu verudzi rwechiTutsi vachipondwa nevanhu verudzi rwechiHutu mugore 1994. Izvi zvakaitika kwenguva inokwana mazuva zana (100); nhamba inomisikidzwa yevanhu vakapondwa iri pakati pe 500,000 kusvika 1,000,000 vari chikamu chemakumi maviri pazana (20%) chevagari vemuRwanda panguva iyoyo.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti phephetha (Clear off, destroy, wipe out.) vachireva kuparadza zvachose nerufu.
  • MaZulu vanoti Isifo sabaphephetha abantu kulendawo vachireva chirwere chakavapedza vanhu venzvimbo iyi.
  • MaZulu vanoti khu6isa (v. Finish completely, wipe out, annihilate) vachireva kuparadza rudzi rwose.
  • MaZulu vanoti inku6isa kana izinku6isa (v. Destruction, annihilation, wiping out) vachireva kuparadza rudzi rwose.