Adolf Hitler
Mataridziko
Adolf Hitler (kana Adhorufu Hitla, 20 Kubvumbi 1889– 30 Kubvumbi 1945) aiva nyamtonganyika (mupolitika) wechiJerumani akazvarwa kuOstiriya. Akapinda mukutonga se mutungamiri we Bato re Nazi, akave chhanzela muna 1933 uye akatumidzwa achinzi Führer und Reichskanzler muna 1934. Munguva yohugodzonga hwake, akatangisidza Hondo Yepasirose Yechipiri muYuropu nikupindira Polandi musi wa 1 Gunyana 1939. Akazvisanganisa mukushanda kwe zvemauto munguva yehondo uye aive pakati pekutanga Rushigido; baradzarudzi re Vajudha vanosvika mamiriyoni matanhatu ne mamiriyoni evamwe vafi.