Mbambo

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Shoko rokuti mbambo (peg or instrument used to fix in place) rinotaura chombo chinoshandiswa kukomera chimwe chiro panzvimbo kuti icho chepiri chisatsukunyuka kana kufamba kubva ipapo pachakakomerwa kana kutsvetwa. Mukutaura kwamazuva ose mbambo ingava hoko kana chipikiri chakakomerwa pasi kuti tende risazungunuka kana kuwa. Varwi vakaenda kuHondo yeChimurenga yeChipiri nechinangwa chokubvisa mbambo dzehutongi wehudzvanyiriri hwehurumende yaIan Smith - apa mbambo zvinotaura urongwa hwose hwakanga hwakaitwa nevachena nechinangwa chokudzvanyirira vatema. Mbambo dzehudzvanyiriri dzaisanganisira mitemo yenguva iyoyo; kugarisa vatema kwavo voga; kubhara vashandi veChichena mari yakadarika yeVatema; kugariswa kwevatema kunzvimbo dzinevhu risina kunaka nezvimwewo.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Mazwi eBantu[chinja | edit source]

  • Vanotaura Lunyoro rubambo (a wooden peg used for stretching a skin) - zvichida vachireva mbambo.
  • VaLuwanga vanoti eshibambo (peg; stake, to which an animal may be tied).
  • VaNyoro vanoti bambula (to stretch a hide on the ground with pegs to dry it).