Svetuka kuchirochemo

Mafuro

Kubva Wikipedia
Mafuro

Mafuro (pasture or grazing land) inzvimbo dzine huswa yokuti mhuka dzekupfuyiwa dzinoenda dzichinodya kana kuti kufura huswa. Kumaruwa mafuro inzvimbo dzakatambanuka dzisina minda yakasimwa mumera; vafudzi vanoendako nenmombe vachidzifudza kunova kudzichengeta uye kudzvirira kuti dzisaende kune minda. Kumapurazi makuru, mafuro anenge akakomberedza newaya zvokuti vafudzi hava basa guru rokuti vateveredze mombe - chavo kudzichengeta kubva kumbavha.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • VaGiryama vanoti urisa (pasture; feeding place).
  • VaGiryama vanoti ku-risa (v. pasture; feed).
  • Barotse vanoti bufulo (pasture, grazing land) kureva mafuro. Mamwe mazwi -fula (graze) kureva kufura.