Mafuro
Jump to navigation
Jump to search
Mafuro (pasture or grazing land) inzvimbo dzine huswa yokuti mhuka dzekupfuyiwa dzinoenda dzichinodya kana kuti kufura huswa. Kumaruwa mafuro inzvimbo dzakatambanuka dzisina minda yakasimwa mumera; vafudzi vanoendako nenmombe vachidzifudza kunova kudzichengeta uye kudzvirira kuti dzisaende kune minda. Kumapurazi makuru, mafuro anenge akakomberedza newaya zvokuti vafudzi hava basa guru rokuti vateveredze mombe - chavo kudzichengeta kubva kumbavha.