Madora

Kubva Wikipedia

Madora, masodya kana mashonja (mopani worms) imhando yechikonye chinowanikwa kunyanya pamuti unonzi mupani anodyiwa muZimbabwe. Madora anokohwewa zvakanyanya kumatunhu eMatebeleland, asi anowanikwa kune mamwewo matunhu.

Madora achinge akohwehwa kubva pamiti, anosvinwa kuburitsa zviri muhura hwawo. Zvinogona kuti madora anobikwa ari manyoro kudaro kana kuti anoomeswa pazuva.

Kubikwa kwemadora anokangwa mumafuta kudzamara onhuwira kuibva kwawo. Zvichinge zvaitika kuti madora abikwa mushure mokunge amboomeswa, zvinenge zvakanaka kuti amboiswa mumvura kuitira kuti apfave ozokangwa mumafuta sezviri pamusoro.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Dora rakabvukucha ndokuva dekwende: the caterpillar went through a metamorphosis and became a pupa.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Padoko-padoko kudya kwamadora. Little-by-little is the way caterpillars eat (everything).*
Madora ari mumuti weMupani

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Sangho vanoti dola (n. moth) - zvichida vanoreva madora.
  • Hadiyya vanoti doora (n. stomach, belly) kureva dumbu. Mamwe mazwi: dooramo (n. glutton, big eater, corpulent).
  • Xitsonga inoti matomani (n. Mopane worm) kureva madora.
  • Siswati inoti manyamani (n. Mopane worms) kureva madora.
  • Oshindonga inoti omagungu kureva madora. Nyamwanga inoti maungu kureva madora.
  • Kwanyama inoti oshuungu kureva madora.