Madirano eNzizi

Kubva Wikipedia

Madirano (river confluence) enzizi zvinoreva panosangana nzizi dzichiva rwizi rumwe. Kubva panosangana nzizi mbiri, rwizi runoyenda mberi runokwanisa kupiwa zita idzwa rakasiyana nenzizi dzokutanga kana kuti runotora zita rerumwe rwizi rwapinda pamadirano.

  • Somuenzaniso kubva pamadirano aRwizi Mupfure naRwizi Munyati, zita rerwizi rwunoyenda mberi rinoshanduka kuva rwizi Sanyati.
  • Mune dzimwe nguva rwizi rwunoenda mberi kubva pamadirano rwunotora zita reimwe yenzizi dzasvika pamadirano. Sokuti panodira rwizi Sanyati muna rwizi Zambezi, rwizi rwunoenda mberi rwutora zita rokuti Zambezi.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]