Kukwachura

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKwachura)

Shoko rokuti kukwachura (snap off or shear in English) rinoreva kupatsanura zvinhu nenzira inokasira uye nefosi rakakura, pasina hurubvu hunosara pakwachura. Kazhinji kana chinhu chichikwachurwa kunenge kwashandiswa fosi rakati sambamba nemutumbi wacho. Somuenzaaniso munhu akagwinha mubato wegonhi zvine fosi huru inonanga pasi, mubato unokwanisa kukwachuka wosara uri mumaoko ake. Kana tichitanha mashizha emuriwo tinogona kuita nenzira yokukwachura mashizha acho. Apa zvakare fosi racho rinotanha muriwo rinonanga pasi. Pakubvisa muguri wechibage kubva padzinde tinoita zvokukwachura zvakare.


Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Bhachi dzvuku riya ndairida nemoyo wangu wose zvokuti pandakapa Kudzai ndakatoita zvokukwachura kubva pamoyo wangu. Apa kureva chinhu chaaida nomoyo wose zvokuti chinetsa kuchisiya kana kupa mumwe munhu.
  • Iwe usarembera pamubato wegonhi unozokwachuka.